chipinge_trends

chipinge_trends

Comments

Manicaland Tv Zimbabwe. Mutare Celebs Tee Ngambi ZW Music chipinge_trends

Sat, 21 May 2022 09:00:47 GMT

Tendai Gukutikwa

MURUME ane makore 97 ekuberekwa pamwe nemwanakomana wake vekwaMambo Marange, kwaMutare vachenurwa panyaya dzehuroyi idzo vaipomerwa vachinzi vari kukonzera kufa kwevanhu vemumhuri yavo.

Sekuru Timothy Mutsago nemwana wavo Blessing Mutsago, uyo anogara kuHarare, vachenurwa nedare raMambo Marange mushure mekunge zvaonekwa kuti ndufu nhatu dzakaitika mumhuri yavo munguva pfupi yadarika dzainge dzisina kukonzerwa naivo.

Magwaro ekwachiremba ekuongororwa kwemitumbi yevatatu ava vanoti Nokuthula Ncube (21) naamai vake Future Mutsago uye Shadreck Mutsago akaratidza kuti vakashaya nehumwe hurwere kwete kuroyiwa.

Zvisinei, vanakomana vaviri vaSekuru Mutsago vanoti Evans naSilence vanoramba vachingoti baba vavo nemukoma wavo ndivo vari kukonzera rufu mumhuri.

Silence anoti n’anga yavakashanyira yakavaudza kuti baba vavo ndivo vane nyoka iri kuvasveta ropa.

Anoti n’anga iyi yakatomuudza kuti pari zvino ndiye ari pachijana chekuuraiwa nenyoka iyi kana pakasava nechinoitwa mukumudzivirira.

“Ndakaudzwa kuti ndichafa pane ipi zvayo nguva saka ndava kurarama ndiri mukutya. Rufu urwu rwaifanira kuitika musi wa4 wemwedzi woga-woga asi takarwushaisa simba sezvo takafumura zvose zvaifanira kunge zvichiitika,” anodaro Silence.

“Hadzvadzi yangu nemwanasikana wavo, hongu vakanga vasiri kunzwa zvakanaka, asi zvinhu zvinongotyisa kuti sei vakazoshaya nemusi wa4 mwedzi yakatevedzana. Nokuthula akashaya musi wa4 Mbudzi, Future musi wa4 Zvita, sekuru vedu 4 Ndira,” anodaro Silence.

Mushakabvu Future Mutsago ari muchipatara Evans anoti amai vake vari kurwara zvikuru nekudaro ari kutotyira kuti vanogona kufa pane ipi zvayo nguva.

“Amai vedu vari kurwara uye vari kuratidza kuti vakabatwa nechirwere chiri kungobata vanhu vemumhuri medu vachizoguma vashaya. Vasati vashaya, vanhu vemumhuri medu vanotanga varidza mhere vachidaidzira kuti pane munhu ari kuvabaya pamwoyo zvinova zviri kuita amai vedu pari zvino.

“Vari kurwara, vari panhowo vachigara naBlessing kuHarare uye vari kutotyira upenyu hwavo,” anodaro Evans.

Achitaura panhare, Blessing anoti anotenda kuti vakachenurwa nen’anga padare raMambo Marange.

“Ndini ndiri kupepa amai vangu vakaoma mutezo uye ndiri kuvarapisa asi zvinotoshamisa kuti ndava kupomerwa mhosva dzeuroyi pane kuti vanditende vava kutosvibisa zita rangu, zvinorwadza,” anodaro.

“Tine mavhidhiyo ehanzvadzi yedu Future akashaya vachiti akanga asiri kunzwa zvakanaka panguva iyo vaive kuSouth Africa.

Akapihwa mubhedha ari ikoko saka paakazouya kuno akaenda kurufu rwemwana wake mumwedzi waMbudzi. Silence naEvans pavakaona kuti ari kurwara vakabva vaenda naye kun’anga pachinzvimbo chekuti vaende naFuture kuchipatara kunova kwavakaudzwa kuti kune hushereketwa huri kuitwa mumhuri,” anodaro Blessing.

“Zvisinei, baba neni takabva tanzi tisu varoyi saka ndinofara zvikuru kuti takachenurwa nedare zvisinei nekuti ivo vari kuramba vachingomira nerekuti tisu vanamuparazvongo,” anodaro.

Anoti Evans naSilence vanotori nemhosva dzekuba mombe sezvo vachinzi vakatora mombe dzababa vavo zvisiri pamutemo vakatengesa.

Vaviri ava vanotsinhira kuti vane nyaya dzekuba mombe idzo dzichiri kuenderera mberi kudare reMutare Magistrate’s Court uye vakapihwa bhera.
Manicaland Tv Zimbabwe. Mutare Celebs Tee Ngambi ZW Music chipinge_trends

Mon, 23 May 2022 14:32:59 GMT

Abel Zhakata

MUNYAYA yemhirizhonga yemudzimba inoshamisa, muzvinabhizimisi wekwaMutasa kuManicaland, uyo ari pakati pekuramba mudzimai wake, anonzi akamupisira muimba yekubikira achibatsirwa nemushandi wake.

Mushakabvu Joyce Surudzo, anonzi ange achiramba kubuda muimba yewanano yavo achimirira kupera kwenyaya yekudamburwa kwemuchato iyo iri kudare guru reHigh Court apo murume wake anonzi akamupisira mumba.

Henry Elijah Surudzo (30) wekuWatsomba akatosungwa pamwe chete nemushandi wake, Tadiwa Mhere (20), wemunzvimbo imwe chete iyi.

Vaviri ava vakamiswa mudare reMutasa Magistrate Court pamberi pemutongi VaArtwell Sanyatwe vachipomerwa mhosva yekuponda sezvinotsanangurwa muchikamu chemutemo weSection 47 of the Criminal Law (Codification and Reform Act, Chapter 9:23.

Vakanzi vagare muhusungwa kusvika nemusi wa2 Chikumi uye vakanzi vanyorere bhera kuHigh Court sezvo vakatarisana nemhosva yakadzama inozivikanwa nekunzi Third Schedule Offence.

Muchuchisi VaTinashe Madziwa vanoti humhondi uhu hunonzi hwakaitwa nemusi wa11 Chivabvu.

“Nemusi wa11 Chivabvu munguva dzepakati pehusiku, mushakabvu Joyce Surudzo akanga akarara muimba yekubikira yaaishandisa seimba yake yekurara apo akaona chiedza. Akamuka kuti aongorore kuti chii chaiitika.

“Akavhura gonhi ndokuona murume wake akabata muchisi uyo akakanda pasi moto uchibva wabatira.

“Moto wacho wakazokura zvikamanikidzira mufi kuti adzokere mumba.

“Akatadza kupukunyuka nepafafitera sezvo paine simbi. Moto wakaramba uchikura, mushakabvu akashinga ndokupinda nemurimi remoto izvo zvakaita kuti atsve zvakanyanya,” vanodaro VaMadziwa.

Mushure mekupukunyuka, akazobatsirwa nevavakidzani avo vakamumhanyisa kuchipatara cheOld Mutare Mission Hospital. Joyce akazodarikidzwa kuVictoria Chitepo Provincial Hospital uko akanofira musi wa16 Chivabvu.

Dare rakanzwa kuti asati afa, akaudza vavakidzani kuti murume wake nemushandi wake ndivo vainge vamupisira mumba.

Zvakazoonekwawo kuti vaviri ava vaigara vachinetsana zvikaita kuti Joyce atore gwaro redziviriro kubva kumurume wake.

Matikitivha aiferefeta nyaya iyi anonzi akaona kuti pane zvinhu zvinopfuta zvinenge mvura isingazivikanwe zvakashandiswa pakapisira mudzimai uyu mumba.

Nyaya dzemhirizhonga yemudzimba dziri kuratidza kuwanda mazuva ano muZimbabwe.

Ongororo yakaitwa munyika yeDemographic and Health Survey yegore ra2015, inoratidza kuti vanhukadzi vanodarika chikamu che35 percent vemakore ari pakati pe15 ne49 okuberekwa vakarohwa nevavanodanana navo.
Manicaland Tv Zimbabwe. Mutare Celebs chipinge_trends Tee Ngambi ZW Music

Sun, 22 May 2022 08:00:52 GMT

Tendai Gukutikwa

MHURI yekuNyanga kuManicaland, iyo yagara ichishungurudzwa nemweya wemunhu akafa uyo aiva murwi wehondo yerusununguko kuburikidza nekuonekwa kweruoko rwusina munhu urwo rwunovabvutira mugoti pakubika sadza uyewo nepakudya, inonzi yazobatsirwa.

Josphat Mapfidza ange atotizwa nemhuri yake ndokusara ogara oga pamusha nekuda kwemashiripiti aya.

Zvisinei, mhuri yake yakazodzoka pamusha mushure mekunge Mapfidza aripa mombe sere kumhuri yemushakabvu anoinzi Cde Collins Tsvito Snr.

Mapfidza agara achipomerwa kuti akaba bhegi raiva nematombo aiva atorwa panzvimbo yakafira Cde Tsvito avo vaive murwi wehondo yekusunungura Zimbabwe apo marangwanda avo akawanikwa ndokunovigwa patsva.

Mukati mebhegi iri munonzi maiva nemagwaro ekutengesa mafuta emotokari (fuel copouns) anokwana marita 400, US$40 nemakadhi ekubhanga.

Mari iyi nemagwaro ekutenga mafuta emotokari zvinonzi zvakange zvapihwa kumwanakomana waCde Tsvito, Collins Tsvito Jnr nesangano reFallen Heroes Trust of Zimbabwe kuti vazokwanisa kunofukunura marangwanda ababa vake nekunoaviga patsva.

Panguva inodarika makore maviri, mhuri yekwaMapfidza yange yongorarama nekudya mupunga chete sezvo vakangoedza kubika sadza bedzi, vaibvutirwa mugoti neruoko rwusina munhu anoonekwa.

Collins Tsvito Jnr achiratidza mombe dzakaripwa naJosphat Mapfidza Mushure mekunge mhuri iyi yaenda kun’anga, vakaudzwa kuti mashiripiti aya aikonzerwa nebhegi raiva rabiwa naMapfidza.

“Ndakaona bhegi iri serangu kudare raMambo Saunyama ndokuenda naro kumba, ndokuzoona kuti raisava rangu ndava kudhorobha reNyanga uye ndikaona kuti ndakanga ndanonoka kare kuti ndinoridzosera,” anodaro Mapfidza.

Kunze kwekuona ruoko rwusina munhu urwu, Mapfidza anoti aionawo mifananidzo yevanhu vaiva varwi vehondo.

“Ndaiona mifananidzo yevanhu vaiva varwi vehondo zuva roga-roga vachindiudza kuti ndidzose musoro wemumwe wavo.

Vaindityisidzira vachiti vachagara neni kusvikira ndabvuma zvavaida,” anodaro Mapfidza.

Muzukuru wemhuri iyi akataurwa naye – Marvellous Nyatondo – uyo akamirira mukuripwa kwemhosva iyi, anoti dambudziko iri rakapera.

“Tete vangu vakadzoka pamusha nevazukuru vavo mushure mekumbotiza sekuru pamusha nekuda kwemweya waCde Tsvito vairwisa munhu wose pamusha uyu. Pakutanga vakaenda kumusha kwavo ndokuzodarikira kunogara nevana vavo kuHarare,” anodaro Nyatondo.

“Ndakanga ndiri kumba kwemhuri yaMapfidza husiku hwadarika ndikatodya sadza ikoko nemhuri iyi, hapana chinoshamisa chakaitika paibikwa sadza iri sezvaiitika kare,” anodaro Nyatondo.
💎💰 *HOW_DO_WE_MAKE_MONEY_IN_SUPERLIFE*💼💸

_As Members,we have a wide range of Bonuses to earn from.💸_

_*WE_HAVE_8️⃣_DIFFERENT_WAYS_OF_MAKING_MONEY*_

💰 _. RETAIL PROFIT_
💰 _. DIRECT SPONSOR/REFFERAL BONUS_
💰 _. REGISTRATION BONUS_
💰 _. PAIRING/MATCHING BONUS_
💰 _. UNILEVEL BONUS_
💰 _. ROLL UP BONUS_
💰 _.UPGRADE BONUS_
💰 _.UPGRADE PAIRING BONUS_

*THESE_ARE_FURTHER_EXPLAINED_BELOW*⏳

1. *Retail_Bonus*

If you can sell your products you earn retail profit. This is 100% optional. We always recommend using the product yourself or giving it to a relative or friend who needs it.
Eg.: *you buy 2 packs with 15 sachets per pack with $140 and you sell 1 box for $100 and make profit of $60 from selling 2 boxes*

You also can buy 20 packs for $1250 and sell a pack at $100 and realise a profit of $750

2. *Direct_Sponsor_Bonus*

Here, every time you introduce or share the business to anyone and they join for either business purposes or for the product, you get paid 35% of the pairing points depending on which package they buy.

_If You are a *STAR* Member and you refer_

-Star u earn *R437($30)*
-Supreme u earn *R870($60)*
-Super u earn *R1160($80)*

_If you are a *SUPREME* Member and you refer_

-Star you earn *R435($30)*
-Supreme you earn *R2030($140)*
-Super u earn *R2320($160)*

_If you are a *SUPER* Member and you refer_

-Star you earn *R435($30)*
-Supreme you earn *R2030($140)*
-Super you earn *R5075($350)*

3. *Key_In_bonus(Registration)*

ONLY the *Supers* have license to process registration of new members joining their team. They are paid according to the entry package.
🤜🏽You earn *R43($3)* per Star registration
🤜🏽You earn *R174($12)* per Supreme registration
🤜🏽You earn *R435($30)* per Super registration

4. *Pairing_Bonus*

Superlife World compensation plan is *Binary* meaning it has two sides LEFT AND RIGHT, so every member recruits at least 2 people, place 1 left side and another right side, everyone who joins recruits their 2 and structure

For all local news updates and Trends from around Chipinge District and the world

Photos from chipinge_trends's post 19/08/2023

What she wants 😂 What you have

19/08/2023

In my town. You don't get a relationship. You get a turn
🤣🤣🤣🤣🤣🤣🤣🤣

14/08/2023

How y’all and your boyfriends be lookin

09/08/2023

Apart from skipping my posts, what other evil things do you do for a living???
🤔🤔🤔🤔🤔🤔

08/08/2023

"ndauya kuzoitira assignment kuno nekuti kuri quiet" :

04/08/2023

"Hee I'm not a picture" kudiiko, kana wakashata wakasha uko fokofu!😏😏😏

04/08/2023

Vamwe muri kurambana nevanhu vamusina kumbodanana Navo 😂😂

04/08/2023

Ukarohwa nenhamo unogona kufunga kuti une depression

24/07/2023

Pano hapashaikwe munhu ane relationship yakaita 1 week kunge agricultural show 😂😂😂💀

24/07/2023

Vakadzi ndo vane drama manje, vanogona kukudira kuti mukadzi wako anovhaira
🤣🤣🤣🤣🤣🤣🤣🤣🤣🤣🤣

24/07/2023

Between Cholocate and Congtratulations, Which one did you read wrong?

20/07/2023

Him: I called and texted you last night

Her: Sorry baby, I fell asleep

Her last night:

18/07/2023

Why does marriage, of uneducated couples last longer than that of Educated ones

18/07/2023

Hausati wavhura pack remaPads since last month apa hamuchataure mese...

Photos from chipinge_trends's post 16/07/2023

This or That

15/07/2023

Mombe yeumai chiiko?

Inombobvisirweiko?

Ikasabviswa zvine basa here?

Inokwanisa kubviswa iri mari chete here kana kuti inofana kuenda iri mombe?

14/07/2023

Zim men wen they c a lady with nyash🤣🤣🤣🤣🤣

13/07/2023

Pazvinombodai musati mapedza kuvaka mese mukati panogarika ipapa or kukandirana ma pamper nemarara waya waya🤣🤣🤣🤣🤣🤣🤣

13/07/2023

If she fine & single, she the problem..

12/07/2023

Ladies listen to me carefully
If your boyfriend doesn’t smoke or drink then he’s on ARVs

08/07/2023

What if plants are actually farming us? Giving us food and oxygen until we die then they eat us as manure?😧😳

07/07/2023

Hyenas have s*x 6 times a day. No wonder those idiots are forever laughing.

07/07/2023

Pastor: Boys when you marry, look for inner beauty.

Pastor's Wife:👇🏿👇🏿👇🏿

Photos from chipinge_trends's post 07/07/2023

Deal or no Deal🤣🤣🤣🤣🤣🤣

Photos from chipinge_trends's post 06/07/2023

These people really do hate us for real😰😰😰😰😰😰

05/07/2023

Gentlemen must i teach you everything???
💁‍♂️💁‍♂️💁‍♂️💁‍♂️💁‍♂️

Photos from chipinge_trends's post 05/07/2023

Mjolo ngausadaro..... nezera irori munhu akutoti i am nolonger in that relationship 🤣🤣🤣🤣🤣

05/07/2023

Another problem about black label is that when you wake up in the morning.

04/07/2023

Wazozvionaka kuti haakude??? Since wakabva ku sleep over haasati akuisira kana message zvayo🤣🤣🤣🤣🤣🤣

04/07/2023

Grocery= R2500
Sleeping pills 💊= R15

R15x31 days= R465☺️
Can't teach you everything 😉😏

03/07/2023

I am from a town where everyone you like has slept with someone you know

Guess my town

03/07/2023

Vanhu vanotyper "kkkkk" instead of laughing emojis (😂😂) problem yenyu ndeyei chaizvo.

03/07/2023

Painenge yasara yadai ndipo pavanozopa isusu tisina mota.

😭😭😭

01/07/2023

"Apart from tanga wakiya door"
Which other motivational quote can you remember😂😂

29/06/2023

Like this post and type Thank you God if you are grateful🙏

28/06/2023

My happiness c**s first
🤣🤣🤣🤣🤣🤣🤣🤣🤣

28/06/2023

Vakuru ve Raw🍑🥩.. ndiyo Mafia iya inoti "Ndatova ne vhiki ndisiri kana kutombomupa and handisi kuzomupa until ndapa iwewe"🤣🤣🤣🤣. Chaungofanirwa kuva nacho kuti udye apa i base chete.😋😋😋😋 And sandi kubuda mari ikoko.😂😂😂

28/06/2023

When was the last time you saw this?? Do you even know what it is??🤣🤣🤣

Photos from chipinge_trends's post 27/06/2023

Nobody:

Best friends consoling each other:

26/06/2023

Mr Bones aka Leon Schuster once said..............

Want your business to be the top-listed Arts & Entertainment in Chipinge?
Click here to claim your Sponsored Listing.

Videos (show all)

Mashoko anotapira kubva kudhodha rekanyi🤣🤣🤣🤣 #Ndauwe  #Nhaudzekanyi #Vemugangafm
About last nyt kurufu kwa dj Penny Mbaxie
But why so soon
Mwakabhuirwa ndiani kuti kuchipinge kunogare zvigure🤣🤣🤣🤣🤣🤣🤣🤣
Danai doing a remix of sister petina last nyt......🤣🤣🤣🤣🤣@mr_cliq i think you should sign mkomana already.
Hoyo muvhunzo 🤣🤣🤣🤣@chipinge_celebs @dumarts_films  @baba_tencen
Kana Ndafa was your best message to your fans telling them of what is to come after you gone.... Rest in Power King of t...

Telephone

Website

Address

Chipinge

Other Arts & Entertainment in Chipinge (show all)
Trustmaomadowera Trustmaomadowera
Farrera
Chipinge, GAZATOWNSHIPPRIVATEBAG1572

I Maoman give a time to people who want to rest listening� to the music I sing song my genre is re

AFM Ebenezer Assembly Chipinge AFM Ebenezer Assembly Chipinge
Gaza O
Chipinge

A religious organization that exists to evangelize the nation

Chipinge International Exhibition & Fashion Chipinge International Exhibition & Fashion
777 Main Street Goldfields
Chipinge, 0000

In the spirit of love create for humanity a moment of music, color and trade