Videos by Tiri KwaChihota in Marondera. Huyai mose titandare tichitaura hupenyu hwedu Tiri KwaChihota. kubva kune dzeupenyu, dzebudiriro, dz
Imbondiudzaiwo vadiwa vatariri vekwaChihota. Unoshanda here munamato wenguwo tsvuku uyu? Hazvisi zvekjnvoroverana cash here izvi?
TiriKwaChihota!
Imbondiudzaiwo vadiwa vatariri vekwaChihota. Unoshanda here munamato wenguwo tsvuku uyu? Hazvisi zvekjnvoroverana cash here izvi? TiriKwaChihota!
Akabata ngoma uyo haasi Mapfanya here? Kana asiri ndewekwaChihota chete. Aiwaa yabatwa ngoma iyo. Zvepfonda chaizvo. TiriKwaChihota!
Ozwage, Give, Tonde, Elias nevamwe vakazongonyukawo vane tumweya mupengo apa hamuteere kana taakutaura zvaMwari chaizvo
Chipostori chakatitorera chivanhu chedu KwaChihota. Taimbove nazvo izvi nana Mapfanya vachirova ngoma kusvika yataura. Ngatidzokei kwatakabva TiriKwaChihota!
Ko iyi yava ipi futi iyi nhai mapostori ese arimuno? Vamwe tava confused. Chipostori chaicho chataiziva ndechana Madzibaba Oswage. Ngirozi yaJohwane ngaimutungamirire kumarimuka kwaari ikoko. Izvi zvatava kuoneswa nevakasara izvi atova ma1. TiriKwaChihota!
Aspiring Child President 2021 Hazel Mandaza, Mahusekwa High School. Ngaapinde hake mwanasikana. TiriKwaChihota!
MHENI ku GOMBAVAZUNGU Kana ari Mwari, aiwa hatina chekutaura asi zvinorwadza. Kana iri yemunhu, chokwadi chichabuda chega. Taita dambudziko guru kumusha. Pane chiitiko chiri kurwadza mufunge. Last weekend, vakomana vemuraini reku Gombavazungu vaiva ne game ne team yevakomana vekuChitandara. Vanopaziva vakomana vaitambira pa ground rekumunhanga riye. Kwakabva kwaita hore yemvura vakomana vese vari 37 ndikubva vamhanya kunohwanda mvura pamba pa Chenga. Ko vaizivei havo? Mheni yakabva yarova imba iyi ikabva yabvira moto. Yakabva yakuvadza vana 22, ikauraya 1 vazhinji vakamukira kumaporofita ekumasowe. Kutaura kuno vakomana vazhinji vari kuchipatara vakakuvara zvakanyanya. Imagine mvura yonanga imba ine vanhu 37 mukati? Chirudziiko nhaimi? Nhaiwe Mazvimbakupa newe Nyamuziwa, mati zviite seiko? Tatadzeiko Nhaiwe Nehoreka mvura yapandukira vana ava seiko? Ko inga wainaisa mvura nemutsigo wani? Tadiiko? Zorora hako murugare Ian. Hazvina hazvo mhosva. Nematambudziko mhuri yekwaMashinge. Ndodzoka nemazita kana ndapedza kuchema. Tiri KwaChihota!!!