Evie Katiyo Books and Poetry

Novels and poetry by Evidence Katiyo.

18/04/2022

HONDO
YEHUMAMBO

A story by: EVIDENCE KATIYO
CONTACT: 0774278203(Whatsapp & calls)
0717031924(text and calls)

CHITSAUKO 4
TONGAI
Ndakazvibvunza mibvunzo yakawanda yaida mhinduro asi ndakaishaya. Baba vangu vainzi vaida kusangana neni kuninga yemadzimambo kwakanga kwakanaka here? Mumwe wemibvunzo yandakazvibvunza ndichibva ndaushayira mhinduro.
Ko ipo panobva panzi ndiuye ndakagadzirira asi rwendo rwuya rwakanga rwava kutanga? Mumwe mubvunzo wandakazvibvunza ndavakutofamba kuenda kuimba yangu yandairara.
Ko vakanga vati tisangane kuninga yemadzimambo sei nekuti nzvimbo inovigwa madzimambo yakanga isingasvikwi pese pese? Mumwe wemibvunzo yandakazvibvunza asi pese apa handina kuwana mhinduro.
Ndakazongozviudza kuti ndaizoona ndava ikoko. Ndakatora zvese zvandaitarisira kuti ndinoda kufamba nazvo parwendo. Handina kusiyawo uta nemiseve yangu sezvo ndaisaziva kwandinoenda. Vakuru vakati afamba apota saka ndaiziva kuti ndichingopota hapana anenge achandiona. Zvaireva kuti inenge yava nguva yekuzvimiririra parwendo.
Ndapedza kugadzirira ndakabva ndanoona amai wangu ndichivaudza nyaya yakanga iri mudariro. Ndiyo yakanga iri nguva yakuonekana navo tichinyatsoonana nekuti hapana aiziva zvirimberi.
"Mwana wangu ufambe zvakanaka ugochenjera zvikara zvesango. Kwauchaenda kwacho ikoko ndinokumbira kuti varikumhepo vakuchengete. Ndinoshuva kuzokuona zvekare vadzoka uri mutano." Vakadaro amai vangu vachitaura zvinyoro nyoro. Ndakazobuda mavakanga vari ndichibva ndatanga kufamba ndakananga nedivi rekuninga.
Kubva pamuzinda kusvika kuninga paiva nemufambo asi vakanga usina kunyanyokura. Ndakazosvika kuninga kuya apo ndakaona kuine varume vatatu ndichirikure. Mumwe vacho ndakabva ndamuziva aiva baba vangu uye mumwe akanga ari Marwei jinda ravo. Wechitatu ndiye wandakanga ndichigere kuziva saka ndakaramba ndichiswedera kudhuze kuti ndigomuziva.
Nenguva isipi ndakanga ndasvika pavakanga vakamira apo ndakazoziva munhu wechitatu. Akanga ari Mushoriwa uye murume uyu akanga asingaonekwi zvenhando. Ukaona paanenge aonekwa panenge paine nhau dzakakosha dzinenge dzichida kugadziriswa kana kuti anenge aine mashoko akakosha aanenge aoneswa kumhepo sezvo akanga ari svikiro.
Handina kuda kupedza nguva ndakabva ndavakwazisa wese senzira yekuremekedza. Ndichipedza kuvakwazisa takabva tananga pedyo nemusuwo weninga patakanga tarairwa nesvikiro. Aka ndiko kaiva kekutanga kusvika pedyo nemusuwo weninga iyi kubva ndiberekwe.
Ndichikura ndaiziva kuti zvinoera kuswedera panzvimbo iyi nekuti yakanga iri nzvimbo yevanhu vakuru. Vazhinji vaiisa zvitanda munzeve vachiswedera pamusuwo uyu ndiwo vaizodzoka wava mudambudziko kazhinji vairumwa nemarovambira. Ndakasvikopfugama ndakatarisa kumusuwo weninga iya sekurairwa kwandakanga ndaitwa naMushoriwa.
"Mwanakomana rwendo rwavatanga urwu rwune makata ane minzwa. Zvavarwutanga rwendo urwu rwavakutoda kuti ushinge nekuti kumberi kune humambo hwakakumirira. Pane rwendo rwandinoda kukutuma asi rwunoda anehana yakasimba. Kana usina hana yakasimba haudzoke asi kana uriwe wasarudzwa zvechokwadi unodzoka." Hana yangu yakamborova ndichinzwa mashoko aitaurwa nesvikiro aya.
Ndaizvibvunza ndega kuti rwendo rwandinoda kutumwa nderwekupi uye ndaizodzoka here. Kune mamwe masango aizivikanwa kuti anorura nemhuka dzesango. Ndiwo masango ekuti vaitenda vadzimu vako uchinge vasvika pamba. Mushoriwa akazoenderera mberi nenyaya yake.
"Mwanakomana kwandinoda kukutuma kunonzi kumazivandadzoka, ndinoda kuti umire semurume uzodzoka nehumambo ugotitungamira. Nguva ino ndavakumbokumbira varikumhepo kuti vakutungamire musango mauchapinda." Akadaro Mushoriwa achindisimbisa kuti ndigosimba parwendo.
Kazhinji rwendo rwaitaurwa nemurume uyu kuti kumazivandadzoka rwunenge rwusiri nyore. Rwunenge rwakarema uye unenge uripakati pehupenyu nerufu. Ndakazongozvishingisa ndichibva ndamboisa pfungwa yekutya padivi. Svikiro rakatanga kudeketera ndiripo paya apo ndakanzwa inzwi rachinja. Ndakabva ndaziva kuti varikumhepo ndiwo vakanga wava kutaura.
"Mwana wangu ndinoda usimbe parwendo urwu usatya zvako. Ndirwo rwendo rwakafambwawo nemadzitateguru ako arere pano asi hapana chakavatadzisa kudzoka. Simba utsunge moyo mwanakomana nekuti humambo huri mumaoko ako. Ufambe zvakanaka mwanakomana ziso rangu richange riri pauri." Svikiro rakazopedza mashoko aya richibva razokumbira varikumhepo kuti vasvitsewo kuna Musikavanhu.
Ndipo pandakabva ndarairwa kuti ndaizokwidza nemugomo reBamhani munova ndimo maiva nenzira yaienda kwakanga kwarehwa. Panguva iyi hana yakabva yamborova..........the game is still on. Stay tuned.

17/04/2022

HONDO
YEHUMAMBO

A story by: EVIDENCE KATIYO
CONTACT: 0774278203(Whatsapp & calls)
0717031924(text and calls)
CHITSAUKO 3
TONGAI
"Marwei uri jinda rangu randinovimba naro pamachinda ese ndosaka ndakakusarudza kuva jinda guru. Zvandakakuita jinda guru hapana chandinokuwanzira pane zvese zvandinoda kuronga. Kubva ndichipinda pahumambo kusvika zvino hapana chandakamboona pauri chakaipa." Vakataura baba vangu vachipembedza Marwei jinda ravo guru.
"Ndinotenda mambo wangu nekuvimba neni pazvose zvamunoronga mumuzinda muno. Ndinoshuva kuti murarame nekusingaperi mambo vangu." Akadaro Marwei achipindura zvakanga zvataurwa naMambo.
"Zvakanaka Marwei, sezvandakambokuudza paya kuti ndinehope dzandairota maererano nehondo yava kumberi kwedu iyi handisi kuzviona zvakanaka. Imwe nguva ndiyo nzira yandichaenda nayo kunyikadzimu hapana anoziva ramangwana rake." Vakataura baba vangu vachibva vambonyarara. Ndiwo akanga ari matauriro ababa vangu kubva kare. Vakanga vasingagoni kutaura nyaya yavo vachipedza kamwechete vaitenderera. Marwei ndiye akazoerekana ashama muromo kuti ataure.
"Mambo munorevei kana mavakutaura muchidaro, ini jinda guru renyu ndiripo pakuronga hondo dzinokurira uye mambo wangu hamungazokurirwe ndiripo. Tichiri kukudai Mambo Pfupajena murarame nokusingaperi." Akadaro Marwei achisimbisa baba vangu kuti vasafunge zverufu rwusati rwasvika.
"Ndizvo hazvo kuti munokwanisa kundirwira mukakurira vavengi vangu sekuvimba kwandinoita nemi. Ipapo handipikise asi patiri tose hapana anoziva. Hazvigone kumanikidza nguva kuiti isaite zvainoda iyo yakwana. Zvisinei handisi kuti ndinofa asi kungotaurawo zvinoitika mudzihondo dzatinorwa idzi. Zvisinei nyaya yandanga ndinayo haina kukura rega ndigare ndaipinza mudariro ugova chapupu mangwana kana pazoita mhere mhere." Vakadaro baba vangu apo vakanga vagadzirira kuudza Marwei nyaya yavo.
Vakabva vamuudza zvese zvekuronga kwavakanga vaita kuti vagove pfuma yavo pakati pedu. Vakatanga kutigovanisa pamberi paMarwei mumwe nemumwe achiudzwa zvaaizotora papfuma yavo kana zvaizoipa.
Madzikoma angu aingosekerera mumwe nemumwe achipihwa mugove vake. Takanga tiri vanomwe vamwe vana vari wekuimba huru vamwe vatatu kuimba diki. Ini ndakanga ndakaberekwa muimba diki ndiri dangwe remo.
Garikai uyo aiva mukuru kwatiri tose ndiye akanga ari dangwe muimba huru. Ndiwo mamiriro akanga akaita mhuri yedu. Baba vakapedza kugova zvinhu zvavo apo madzikoma angu akanga asingagoni nekufara. Ndakafara kuti vanin'na vangu vainditevera vakawanawo mugove papfuma iyoyo kunyangwe zvazvo ini ndakanga ndisina changu.
"Saka matopedza kugova pfuma yenyu here mambo. Ko Tongai mamuita wekupi wamasiya ega ega, hamuoni here kuti munenge mamusarudza pakati pevana wese." Akataura Marwei achida kunzwa chikonzero chakanga chaita kuti baba vadaro. Baba vangu vakambotarisa pasi zvishoma vanenge vaifunga pekutangira nyaya yavo. Vakazoshama muromo wavo kuti vataure.
"Uyu usamutyire Marwei, pane rwendo rwandinoda kutanga ndamutuma. Rwendo urwu rwakakosha zvikuru uye rwunotyisa kufamba. Kwaachaenda ikoko ndiko kune mugove vake kana achinge asvika uye zvinozozadziswa kana achinge adzoka nerugare." Mashoko ababa aya akandivhundutsa asi ndakaramba ndakanyarara hangu kuita kunge pasina zvirikuitika.
Mibvunzo ndiyo yakanga yandiwandira mumusoro uye yaitoda mhinduro. Rwendo rwandaida kutumwa rwaiva rwekuenda kupi? Mumwe mubvunzo vandakazvibvunza ndichinzwa baba vangu vachitaura naMarwei.
Rwendo rwacho zvarwainzi rwunotyisa ndaizobudirira here? Mumwe mubvunzo wandaizvibvunza ndichiedza kubatanidza zvakanga zvichangobva kutaurwa. Kazhinji ndaiziva kuti kana rwendo rwakaoma sezvaitaurwa apa unenge vakatarisira zvese rufu nehupenyu.
Rwendo urwu ndirwo rwune humambo hwangu chete hakuna zvimwe, ndakataurira mumoyo ndakagara ndichiedza kubatanidza nyaya iyi. Marwei haana zvimwe zvaakazotaura anenge akabva aziva kwaiva kwakananga nyaya yacho. Takazobva padare apa Mambo vachibva vasara naMarwei.
Ini pfungwa dzakanga dzisisina kugadzikana ndichifunga zverwendo urwu. Ndaizorwukunda here kana kuti ndaigona kuita nyama yezvikara. Ndakazongotsveta pfungwa yacho kwakadaro uko ndaizozviona kana nguva yacho yakwana. Yaizokwana chete nguva yacho sezvo tese tichiziva kuti hakuna zuva risingasvike.
Mumwe musi ndakanga ndakagara zvangu ndichikurukura nemunin'ina wangu Togarepi. Ndipo pandakaona nhume yamambo ichisvika pandakanga ndiri kureva kuti pakanga paine nyaya. Ndipo pandakabva ndaudzwa kuti ndiuye ndakagadzirira zverwendo. Ndakanga ndakamirirwa nababa vangu avo vaida kuti ndisangane navo kuninga yemadzimambo.........mafireworks gys stay tuned.

17/04/2022

HONDO
YEHUMAMBO

A story by: EVIDENCE KATIYO
CONTACT: 0774278203(Whatsapp & calls)
0717031924(text and calls)

CHITSAUKO 2
TONGAI
Sezvo nguva dzakanga dzafamba handina kuzodzokera kunorara. Ndakambotenderera zvangu pamuzinda apo ndaiona kuti pakamira sei. Yaiva tsika yangu mazuva ese kuti ndichimuka ndaitenderera ndichiona pamuzinda.
Mashoko andakanga ndakurukura nababa vangu akanga achiri kundidya moyo. Kazhinji baba vangu vaisarota hope zvorova zvakadaro. Nguva zhinji vaiti vakarota hope dzaisatora nguva pane zvaizoitika.
Vaigara vachindiudza kuti pavakatorana naamai wangu vakangorota mwanasikana akanga akagara pamuti. Pavakasvika paiva nemwanasikana iyeye vakasvitsa shoko rerudo vachibva vadiwa. Havana kumbotora mazuva akawanda vakazonosangana naamai wangu panzvimbo imwecheteyo. Zvakamboda kunetsa hazvo nekuda kwekuti vaiva nemudzimai asi vakazopedzisira vatorana.
Ndiyo imwe yenhoroondo dzandakaiudzwa dzezvaiitika kuburikidza nehope dzababa wangu. Ndine dzimwe nyaya dzandaiudzwa dzaiitika mushure mekunge baba vangu varota hope.
Nhoroondo idzodzo ndidzo dzaizoita kuti ndizvidye moyo nekuda kwehope dzandakanga ndaudzwa nababa idzi. Imwe pfungwa yaimbondiudza kuti nekugarisana kwakaita baba vangu namiambo Mupedzachose havamborwisane. Imwe pfungwa ndiyo yaizodzoka yoti munhu munhu haana chakanaka.
Pachokwadiwo hapana aizoziva zvinenge zvichifunga munhu. Imwe pfungwa yaimbondidzikamisa nekuti ndaiziva kuti baba vangu vakanga vaine hondo yakasimba. Pahondo dzose dzavakarwa pamakore avo havana kumbobvira vakurirwa. Handifungi kuti vaizokurirwa namambo Pfupajena vatakanga tisati tambonzwa mbiri yavo.
Yehope ndakazoisiya padivi ndavakufunga yemigove yaizouya kumberi kwedu. Mubvunzo wandakanga ndichizvibvunza ndewekuti zvaizopera sei zvandakanga ndapihwa mugove vakakura kukunda vamwe vana wese.
Baba vakandisimbisa havo vachiti ndinozotora chigaro asi makata avakanga vachindivimbisa handaiona pachizova nerugare. Kunedzimwe nzvimbo ndaiona ropa richideuka nenyaya yehumambo saka hazvaizotadza kuitika mumuzinda medu. Semunhu akanga asimbiswa ndaizozvirwira kusvika ndagara humambo hwacho. Ndakazozvibvunza kuti sei baba vakanga wavakuda kugova pfuma yavo panguva iyi.
Kazhinji ndaiziva kuti vanhu kana wava kugova zvinhu zvavo vanenge vasisina mazuva akawanda vachirarama. Ndizvo here zvakanga zvavakuitika kuna baba vangu? Ndakazvibvunza ndega apo ndakazoisa pfungwa yacho kwakadaro uko.
Ndaizoona kana nguva yacho yaizokwana. Chandaiziva ndechekuti hapana zuva risingasvike. Mazuva akatanga kufamba baba vangu vachingondiudza kuti hazvina kumira mushe. Kuseni kwega kwega vaindimutsa vachindiudza hope dzakasiyana siyana. Zhinji dzacho dzakanga dziri dzekurwiswa namambo Mupedzachose.
Ndakangoti ndaizomirira kuti ndione kunowira tsvimbo nedohwe. Mumwe musi ndakasvika baba vangu vari padare apo vairatidza kuti pane nyaya yakadzama yavaikurukura. Padare apa pakanga paina Marwei jinda guru pamwe nevakoma vangu. Semunhu akasvika vamwe vari mudare kare ndakabva ndagarawo pasi. Baba vangu vakabva vashama muromo wavo kuti vataure.
"Mwana wangu ndiwe vasvika tiri padare kudai. Pane nyaya irimudariro isina kumira mushe. Ndosaka uchiona jinda guru rangu riripano pamwechete nevakoma vako ava. Nyaya iripano ndeyenhume yabva kuna mambo Mupedzachose vaya vatakaganhurana navo." Ndichinzwa mashoko aya ndakarohwa nehana.
Ko nhume yacho yakanga yauya nerugare here? Mubvunzo vandakazvibvunza ndisati ndanzwa kuti yataura kutii. Chandakatanga kurangarira ihope dzaigarotaurwa nababa vangu vachirwiswa namambo Mupedzachose. Ndakazongozviudza kuti ndingamhanye kumberi saka ndakabva ndabvunza kana vakanga vauya nerugare.
"Nhume iyi haina kuuya nerugare mwana wangu, mambo Mupedzachose vatumira shoko vachiti vanoda pfuma yose iri munyika ino pamwe nevakadzi vangu newemachinda angu. Zvatumirwa shoko iri mambo Mupedzachose vatipa masvondo maviri ekufunga nezvazvo kana tichinge tapokana nawo inenge yava hondo." Ndakamboramba ndakanyarara ndichidzeya mashoko akanga ataurwa apa. Baba vangu nehondo yavakanga vainayo vaisafanirwa kubvuma kukundwa pahondo.
Nyaya yakazokurukurwa baba vangu nejinda ravo vachibva vawirirana kuti kana hondo yaizouya vaizotangira ipapo. Marwei ndiye aizozivisa mamwe machinda ese zvakanga zvarongwa padare apa.
Baba vakazopinza imwe nyaya mudariro. Ndiyo nyaya yavakanga vambonditaurira tiri tega asi apa vakanga vagadzirira kuitaura pamberi pejinda ravo ravaivimba naro. Tese takabva tateya nzeve kuti tinzwe zvaida kutaurwa.
........rwendo rwuchirpo hama garai makaringa nzira

16/04/2022

Enjoy your reading here

16/04/2022

HONDO
YEHUMAMBO

A story by: EVIDENCE KATIYO
CONTACT: 0774278203(Whatsapp & calls)
0717031924(text and calls)

CHITSAUKO 1
TONGAI
"Mwana wangu zvandakudana kudai ndine nyaya yandinoda kutaura newe. Ungazvinetsa hako kuti sei ndakumutsa kuseni kuno asi zvine chirevo." Vakadaro baba vangu vaPfupajena. Ndakaramba ndakanyarara ndichida kunzwa zvaizotevera.
Ndakanga ndamutswa mambakwedza chaiwo apo ndakanga ndaita zvekutumirwa nhume. Kubva ndichiberekwa baba vangu vakanga vasati vambondimutsa nguva dzakadai. Kazhinji ndaimuka nguva dzafamba sezvo ndakanga ndisina chekumhanyira.
"Mwana wangu zvaunondiona kudai handizivi zvirimberi. Hapana anoziva zuva rake rekusanganiswa nemadzitateguru asi dzimwe nguva unogona kuroteswawo." Ndakaramba ndakanyarara ndichiedza kubatanidza nyaya yaitaurwa nababa wangu.
Vakabva vaita zvekumuka pavakanga vakarara apo vakanga vazoita zvekugara. Ini ndakagarawo pandakanga ndarairwa kunzi ndigare. Ndakabva ndateya nzeve kuti ndinyatonzwa zvaida kutaurwa nababa.
"Nyaya yandinayo ndaikwanisa kuudza madzikoma ako pamwe nevanin'ina asi ndasarudza iwe. Kunyangwe amai vako handina kumbovaudza saka ndoda kuti unyatsoteya nzeve." Vakadaro baba vangu vachibva vambokosora zvishoma. Vachipedza kukosora vakabva vaenderera mberi.
"Mwana wangu ndine hope dzandarota asi hadzina kundiitira zvakanaka. Ndati ndiudze iwe nyangwe uri mwana zvako asi panyaya iyi uri mukuru." Baba vangu vakanga vane dambudziko rekuwanza nhoroondo kana vachitaura nyaya yavo. Raigona kutopera zuva rese vachingotenderera panzvimbo imwechete.
"Ndakateerera Nyamuzihwa taurai zvenyu tinzwe. Nzeve ndatoteya dzemukati chaidzo kuti mashoko enyu asazorasika." Ndakataura nemashoko ekuremekedza izvo zvaizopa baba vangu simba rekutaura zvavanenge vachida.
"Mwana wangu ndarota ndiri pakufamba apo ndanga ndichimboona dunhu rangu. Ndanga ndiri pakutenderera ndichiyeverwa neguta rangu apo ndazoenda nepasango riya riri kumavirira kwedzimba dzaSabhuku. Ndipo pandaona mapere mashanu achimhanya achichiuya kwandiri achidonhedza marute pamuromo. Pandatarisa kumashure kwavo ndaona kuchitevera Mambo Mupedzachose avo vatakaganhurana navo." Pakamboita karunyararo mushure memashoko aya.
"Saka chii chazoitika nhai Nyamuzihwa, taurai tinzwe ndatononokerwa nekunzwa zvazoitika." Ndakataura mashoko aya ndichiedza kuti baba vangu vataure nekukasika.
"Ndaramba ndakamatarisa apo azosvika pedyo neni. Ndipo pandaona Mambo Mupedzachose achimasaidzira kuti andirume. Ndambomarwisa asi zvaramba. Ndazorumwa nerimwe racho pagumbo ndichibva ndaita zvekuvhunduka ndichipepuka. Kutaura kuno hana yangu irikundiudza kuti hazvina kumira mushe." Vakadaro baba vangu vachipedzisa nemashoko iwayo. Kwandiri zvakanga zvisati zvapera nekuti ndakanga ndichigere kunzwisisa.
"Saka nhai Mambo wangu,manga matii nehope idzi. Munoti mungazorwiswa mukakurirwa here nemunhu wamusingarwe naye nguva nenguva." Ndakadaro ndichida kunzwa zvizere.
"Handisi kupaona mushe mwana wangu, hupenyu hauzivikanwe zvimwe humambo hwangu hunogona kungomuka hwakapera nekuda kwerufu asi hauperi zvachose. Ndiri mupenyu kudai ndinoda kupa madzikoma ako migove papfuma yangu asi iwe hapana chako ipapo." Ndakashaya kuti baba vangu vaida kuedza kuti chii vachipa migove kune vamwe vachinyima ini. Ko ndakanga ndavatadzirei kusvika pakundidaro.
"Iwe usatsutsumwa zvako mwana wangu uchinzwa kuti hapana mugove vako. Pane zvandakakugadzirira zvakakurisa kudarika migove yese nepfuma zvandinazvo." Ndakashaya kuti zvii zvakanga zvakachengetwa nababa vangu zvaikunda pfuma yavo. Vakakosora zvishoma vachibva vatanga kutaura zvekare.
"Kana ndazoenda guta rino rinoda anotarira. Zvarinoda anotarira zvinoreva kuti ndinoripa anenge ari pamoyo pangu kuti aritungamire. Zvandisina kukupa mugove papfuma yangu ndiyo pfuma huru yandakusiira. Uri mudiki kune madzikoma ako asi moyo vangu vasarudza iwe kuti ugotarira guta rino." Vakadaro baba vangu vachibva vanditambidza tsvimbo nhema yavakanga vakabata.
"Unoona tsvimbo yandiri kukupa iyi, ndiyo tsvimbo yakabata umambo hwese hweguta rino ndinoda uichengetese. Ndinoziva kuti humambo huchanetsa ndaenda asi tsvimbo iyi usaipa kana ani zvake. Tsvimbo iyi ndeyako nekuti moyo wangu vasarudza iwe. Uchafamba rwendo rwune makata uye uchapinda nepamupata une rufu asi humambo huchava hwako." Vakataura baba vangu apo vakabva vazonyarara. Takazokurukura hedu dzimwe dzehupenyu apo baba vaindiraira magariro nevamwe mumusha. Zuva iri takakurukura zvekukanganwa kuti kunze kune vanhu. Tichipedza hurukuro ndakabva ndarairwa kuti ndiende hangu......this is just the beginning more fireworks are on the way.

Category

Telephone

Website

Address

23471 Garikai Scheme Ruwa
Harare
Other Book Stores in Harare (show all)
Imrafati investment P/L trading as imrafa educational supplies Imrafati investment P/L trading as imrafa educational supplies
Harare, ZW

Imrafati investment P/L,is a text book and stationary supplier

Book Haven Publishers Book Haven Publishers
Harare
Harare

Suppliers of Textbooks, Christian Library, Novels and E-books

Vicky's Digital books Vicky's Digital books
Harare

We sell soft Copt textbooks,from grade 4-7.We have noted that with lockdown affecting the education

DottBook DottBook
602, 6th Floor, Saint Barbara's House. N Mandela/L Takawira
Harare, 00263

A bookstore allows Authors, Booksellers, publishers , writers and blogger to sell their books and showcase their works from anywhere.

A Life Robbed A Life Robbed
41 Mutley Bend, Belvedere
Harare, 00000

As a signatory to the 1951 Refugee Convention, the UK has a proud tradition in granting a safe haven to asylum seekers.

Bookbazaarzim Bookbazaarzim
Shop 106 Sam Levy's Village Borrowdale
Harare

...not just a bookshop but a society ,a voice by readers & intellects changing minds a book at a time

Golden Heights Books - Zimbabwe Golden Heights Books - Zimbabwe
Number 6 Aronet Shop, Gelfand House, Cnr First And Speke Avenue
Harare

Suppliers of Zimsec and Cambridge leaners books, teachers Guides, activity books, revision guides et

ENGAZ School Supplies ENGAZ School Supplies
Harare

One Stop Shop for all School Supplies, School wear, Textbooks (ECD A - A Level) and Stationery.

MunWalp Books MunWalp Books
68 Leopold Takawira Street
Harare

Original Textbooks (Primary & Secondary)

Bishop Ed Tavaz Ministry Of Helps BET MOH Bishop Ed Tavaz Ministry Of Helps BET MOH
Jason Moyo
Harare, 263

BET MOH is a non profit making Ministry of Helps with compassion in alleviating and eradication of

Eikon Stationers Eikon Stationers
1 Leopold Takawira
Harare

Manufacturer and Supplier of school and Office stationery. "Finest Stationery for Visionaries"

Perlson Bookshop Perlson Bookshop
Suite 218-A Daventry House Cnr Angwa & South Avenue
Harare

An innovative company in Zimbabwe specialising in supplying the Education sector with imported and l