Pascal Mapiye
Studied Diploma in Journalism and Mass Communication @CCOSA
🧊💍🧊💍🧊💍🧊💍🧊💍🧊💍🧊💍🧊💍🧊💍🧊💍🧊💍
*⛓️🌹AGAINST ALL ODDS* ⛓️🌹
STORY WRITTEN BY ::
✍🏾✍🏾 *AUTHORESS XAMMY*❣️❣️
*Follow my channel group*👇🏽
https://whatsapp.com/channel/0029VadsJv4AInPsIzpYHV1T
*Follow my page* 👇🏽
https://facebook.com/groups/4989104421212498/
⚠️ *DO NOT COPY*
Chapter 19 ,20 and 21
*MAI GIFT*
“Ndiri kuzonzwa riinhiko foni ichinzi ‘Amai ndadzoka’?” .Ndakabvunza kudenga, asi kudenga kwakaramba kwakanyarara. Ndakatsvedza ndikagara pasi pedivi remubhedha, ndakamonera sweater rake pachipfuva changu...
Mai Gift "pleaae mwanangu chingondipa chiratidzo chekuti zviroto zvose zviri kuitika
Handina kumbobvira ndambozvifungira kuti ndichazomboviga mwana wangu ndisina kumbonzwa izwi rake rekupedzisira. Ndakamuviga asi handina kumuregedza. Mufungo wake ndiwo wandinogara nawo mangwanani ega ega, manheru ega ega. Zuva rimwe, ndiri mumubhedha, ndakabatirira hembe yake, ndakanzwa hope dzanditora zvishoma. Asi hope idzodzo dzakandinetsa chaizvo..Ndakarota Gift achiuya kwete sekunge ari mupenyu... kwete achifara asi ainge akatsamwa. Maziso ake aive nemoto, kufema kwake kwairemedza atmosphere ysive mumba Akange akamira pamberi pemubhedha achinditarisa.Mumaoko ake maiva necap yake yaiva neropa. Achiitambisa mumaoko.
“Mai... makanditadzira ..Makandiramba, makandisiyira vanhu vakaipa... ndakadanidzira hamuna kundinzwa...”
Ndakaedza kusimuka, kuita zvekumuudza kuti ndakaita zvese zvandaisagona. Asi muviri wangu wakaramba.
Mai Gift “Mwana wangu, ndakakutsvaga! Ndakachema! ...”
Akamira akadaro, musodzi uchifamba pasi kumeso kwake, achinditarisa. Cap iya yakabva yadonhera pasi, ndikavhunduka ndichimuka ipapo ipapo. Ndakatarisa ndokubata rushaya ndichizunguza musoro, ndikazvibvunza...
Mai Gift“Ko mwana wangu... haasi kuda zororo here kubva mukurwadziwa?”
Ndakabva ndavhundutswa nemufungo wekuti asi chii chiri kundotevera kubva kuna Gift wangu?Ndakadzokera kuisa matama angu papillow kurara ndokuzomuka masikati masikati, muviri wangu wose wakanga wakareruka sekunge handina simba. Moyo wangu wakanga uchri wakaremerwa nekunzwa kusagadzikana. Zvese zvandakanga ndanyora mumusoro zvakaratidza kusashanda. Gift haasi mupenyu akatofa , uye mafungiro angu ekuti zvichanaka airamba achinyangarika. Zvese zvainge zvisiri normal. Ndakatarisa pafoni, ndainge ndaisiya ichichaja usiku. Ndobva ndangonzwa pfungwa dzangu dzichindimanikidza kuti "Fonera Tanya."* .Honguwo panga pane nguva tisina kunyatsotaura tese Mazuva akabva kuvigwa Gift ndakamboenda kumusha kwe1 week saka pandakadzoka andina kukwanisa kumuudza kuti ndakadzoka kumba
Ndakangoti *click*, ndabva ndatsvaga zita rake ndodzvanya *Call*.Yakaringa ka one... two... three... ndobva yati call forwarding .Ndakaramba ndakaterera tben ndokunzwa izwi randisingazive remunhurume ...
" heloo???
*“heloo makadii ndiri kukumbirawo kutaura naTanya? Ndiri kuda kutaura naye.”*
*“imimi ndimi ani wake..???”*
* "Amai vemukomana waakambofambidzana naye"*
*" hooo nice.....zvino Tanya wamuri kuda is at the hospital she was admitted two days ago ari kurwara nemuviri wese "
*' ahhhhh musandiudze imi"*
*"yes ndiri kurevesa"*
*"Ko Tanya, handaimbozviziva kuti akurwara? Zvakaita sei?"*
Izwi remunhu wacho rakaramba rakadzikama asi richiratidza kusada kubvunzwa zvakawanda:
*"Ndokumbirawo muuye chete, Mai Gift. Foni yake yanga isingaite through, saka ndini ndabva ndaisa paCallfowarding kuti maCalls apinde kufoni kwangu kuitira kuti shamwari dzake nevamwewo vasanetsekane ."*
Ndakabva ndazvipfekera chibhamu chemwoyo, ndichiomerera muso kuti ndirege kuratidza kuti ndiri kuvhunduka. Asi ndichibva ndati:
*"Okay... saka mati ari kuchipatara chipi"*
Murume uye akapa location, nzvimbo isiri iyo yandaimbojaira. Ndakango nyemwerera zvishoma pasina mufaro, ndikaziva zvangu kuti pane chiri kuipa chiri kukonzerwa kuvana ava. Chokwadi angarwara neiko mwana muduku akadaro.Pandakatanga kufamba, moyo wangu wakabva watanga kundirova zvechokwadi. Handina kuzombogarisa mumba ndakabva ndangomonera dhuku rangu mumusoro nekuisa handbag yangu pabendekete nekutorova pasi.Ndakasvika panzvimbo yavanga vandirevera. Atmosphere yeimba iyi yakanga yakanyarara , ine mafence akareba, gonhi rakavhurirwa ne munhu asina kunyatsonyemwerera. Ndakambozvibvunza kuti ihospital here iyoyo iyo yaiita kunge pamba zvapo ndakazongotiwo maybe ndoma private hosopital acho zvaanenge akaita.Ndakatsika one step mukati meimba. Ndichangopinda ,Baba vaTanya vakabva vabudikira, ruoko rwake rwakabata ruoko rwangu zvakasimba.
Ba Tanya"hesi Florence
Ndakaramba ndakamutarisa ndikanzwa hasha kubumbira mukati mangu....
Mai Gift"andina kuuya kuzofambira iwewe ndauya kuzoona Tanya pano aripi?
Ba Tanya "ehhhhh dzikama uchiri nwBitterness yekare kare inga wani takazongosiyana ukanoroorwa ini ndikanoroora wani
Ndakaridza tsamwa ndichitarisa kudivi...
Mai Gift" dont waste my time ndati ndoda kuona Tanya pano ndiye wandafambira not kudiscusser our past
Ba Tanya“Zvirinani mugare pasi. Handizode kutambisa nguva
A akataura izvozvo achindipa ndokundisiya ruoko rwangu rwaanga akabata ndakatanga kunzwa kutya achibva andisundidzira ku sofa.
Mai Gift“George, urikuda kuita sei?”
Ba Tanya"ndoda kukushandisa paFront kuti Tanya asvike kuno nekuti plan A yangu yakaramba yekutanga saka lam gonna use you for her to come back
Ndakanzwa hana yangu kubva yarova nekutya. Akanditarisa , akandigumbatira maoko, zvine simba kwete nerudo, asi sekunge ndiri munhu asina kukosha.
Mai Gift"Regai George! Uri kundikuvadza!"
Akandisunga maoko angu ne tie, ndokundirasira pa sofa. Ndakanga ndisina simba, ndakabatikana, asi ndakaziva kuti ndiri munjodzi.
Ba Tanya "kubva pakafa Ba Gift l hope hauna kuzonorara nemumwe anditi?
Mai Gift" ndati uri kundikuvadza
Ba Tanya "l miss your body Florence remember ndini ndakaita the first person kurara newe ende andife ndakazvikanganwa. I miss you so much butk despise you at the same time for leaving me uchizonoroorwa naTapiwa your deceased husband
Mai Gift" ita semunhu mukuru zvinhu zve30 years ago uchiri kungoda kuzvitaura .....haurware here iwewe ???? Ndiudze kuna Tanya kana kuti it was your plan kundiunza pano George?
Ba Tanya "yes it was my plan.....wanna use you for my own benefit
Ndakanzwa kunge ndabaiwa nepfumo pachipfuva pangu ndokuramba ndakamutarisa George uyu .Ndainyatsoona humhuka hwuri maari ndega ndakatoona kuti this person will never change at all. His bad character kubva achiri mukomana is still the person .Heartless and evil are his characters.Hapana mhinduro. Akandibata zvine simba ndakadaidzira asi hapana akanzwa.Hembe dzakabvarurwa kubva pamuviri wangu sepepa. Akasunga maoko angu ne tambo kwete tie yepekutanga iya . Ndakaedza kurwisa ndichichema, ndichisheedza zita raMwari, asi maoko ake nemuviri wake zvakamira sevhuvhu rematombo pamusoro pangu.
Ba Tanya" ndanga ndasuwa zvinhu zvangu zvekare Floremce please understand me unotoziva kuti ndaida iwewe even today ndokuda kudarika Mai vaTanya .....
Izwi rake rakanga rakazara ruvengo, seari kupedza hasha dziri mukati make dzandisingazive kuti dzakatangira kupi.Ndakarwadziwa. Kwete panyama chete asi mu mweya, mupfungwa, uye mumwoyo. Akabvisa dzakewo akauya padenga pangu akapfekera chinhu chake changa chakatosimudza musoro nakare .Akaita zvaanoda neni andizive kuti maRounds mangani chaizvo apo hurume achingoitira mukati mangu . Pfungwa dzangu dzakanga dzava kure, zvekusvika pakusaziva kuti George akapfeka, akandisiya ndakasungwa ipapo. Zvakandiremera zvikandirwadza kupfuura chero chandakamboona muhupenyu.
Guy"time to sleep
Ndakacheuka kudivi ndikaona pachipinda umwe mukomana anga akabata injection munaoko
Mai Gift "unoda kudii???
Guy" time to sleep
Mai Gift "ndakakutadzirei?
Haana kupindura akabva abata ruoko rwangu ndokundibaya,yangu misodzi ichingoyerera. Ndanga ndisisina kana simba rekurwisa .Maziso angu ndakatanga kumanzwa achindikurira nehope.Pandakavhura maziso angu, chinhu chekutanga chandakanzwa kwanga kuri kutonhora kwepasi . . Pakutanga ndakafunga kuti ndiri kurota asi kurwadziwa muviri wangu kwandimutsidzira kuti azvisi zviroto asi kuti ichokwadi ndakanga ndabatwa ndakatosungwa maoko nemacuffs. Pandakafungidzira kuti ndiri ndega, izwi rakanzwika kutaura padivi pangu
Mai Tanya”helooooo......( neizwi rakapfava, asi rakazara kushushikana.)
Ndakacheuka kutarisa ndokuona paiva nemumwe mukadzi arere pasiwo akasungirwawo.
Mai Gift" makadii???
Mai Tanya"ndimi ani matorwawo futi??? ..lam Jennifer ,Mai vaTanya
Ndakaramba ndakavatarisa ndanga ndisati hangu ndakambomuona mukadzi waGeorge .Aive mudhafu ,mutsvuku uye ane runako rwake asi kumeso kwanga kwava nezvivanga zvemunhu anoratidza kuti akamborohwa-rohwa.
Mai Gift "Mai Gift
Akaramba akanditarisa zvekuti hana yangu yakatomboroverera ndichiti pamwe maybe she knows my past with George asi ne reaction yaakazopa hana yangu yakabva yachidzikama .She knew nothing hake ndakanzwa oti...
Mai Tanya" ko iwewe ,akutorerei?
Mai Gift "anditozive dear
Pakamboita karunyararo pasina ataura neumwe....
Mai Tanya" haaa zvakaoma hazvo .Zvatava vaviri kudai ,ngatiwane nzira yekubuda muno.George deserves to rot in jail
Meso edu akasangana uye kwekutanga, ndakanzwa tariro ichidzoka mandiri ndokugutsurira musoro wangu.Ndakabvunza reason yaari kuita zvese izvi iye George ,Mai Tanya vakati its a long story ndichazokuudza once tatanga tabva pano tisati taurayiwa. Zvekurepwa kwangu andina kuzvitaura ndakangonyarara ndaisada kuti vawedzere kurwadziwa Mai ava .She seemed kind and soft .Mukutaura kwake wega waitoona kuti munhu uyu ari mumarwadzo asi chaari kungoda chete is for justice to be served chete .Same with me ,chishuviro kudawo kuziva vakauraya mwana wangu .Chimwe chete chatakaziva tiri mumaoko aGeorge asi taifanirwa kupabuda pano asati atishandisa
Tichangobva kungo nyarara, gonhi rakarira. Pakapinda mukomana murefu , masaisai ehumhondi achibuda mumaziso ake.Akanditarisa ndobva acheuka kune umwe wangu.Ndototi umwe wangu ko ,anditi tanga tava tag team here tiri vaviri kudaro tinzwe oti....
Guy. "Ko ndotanga neupi?"
Takamboramba takanyarara ndopandakazoti rega ndibvunze....
Mai Gift "kutanga kudii?
Guy" wekurara naye...lam very h***y ladies
Takatarisana naMai Tanya vachibva vandipa sign iya yekuti usabvume ini ndakabva ndatarisa back kune mukomana uye ndokutaura with so much confidence ndokuti...
Mai Gift. “Tanga neni.”
CHAPTER #20
Mai Tanya vakanditarisa zvekuahamisika ndokubva ndangotsonya ziso rekuti calm down l know what lam doing .Zigomana riye rakanyemwerera naiwo meno anga akatondivara zvawo ndokutanga kubvisa mbatya dzake ndokuuya padenga pangu .Airatidza kufadzwa nekutya kwedu asi ini ndakanga ndisingachatyiswi. Ndakanga ndakagadzirira.Asati andibata, ndakabata zvinyoronyoro *needle pin* yaive yakavanzwa mumusoro mangu iyo yandakanga ndakacheka kubva muclip yeweave yangu yanga ndakarukwa few months ago ndichiri kumusha though weave yacho yanga yatosakara zvayo .Seipapa ndiyo yandakafunga ndikashingirira kuitora ndichiisa maoko kumusoro despite kuti anga akasungwa asi ndakashingirira zvakadaro. Chikomana chiye chakatanga kuyamwa mazamu angu chichitambisa chinhu chake zvekutoda kuchinopinza mumukati mangu.Ndakanga ndakagadzirira kuzvidzivirira kana nguva yakwana yasvika.
Paakamoda kushinha kutsoma maoko angu,ndakamhanyisa ruoko rwangu ndichimubaya neNeedle iya zvakasimba muhuro! Akaburitsa ruzha rwekusvika pakufa akabva adedera, maziso ake akavharika achibuditsa kadhodhi kaye kekupedzisira vamwe vanokati kamuteta kufa .Muuviri wake wakawira pamusoro pangu anga achiti zii kuri kutofa ikoko.Ndakamudhonza ndokumukumikidza nechepadivi ndichishama ndakanga ndisingambofungi kuti ndingazoita izvi, asi ndaisagona kumirira kurohwa kwepfungwa kana kurwadziswa. Ndakacheuka Mai vaTanya ndichiti...
Mai Gift "ndanga ndisingade kuti afe
Mai Tanya vakazunguza musoro vachindisimbisa ndinzwe...
Mai Tanya" watogona zvawaita izvozvo waanga achida kuita bonde naye ndiani....
Ndakanyemwerera zvishoma musodzi ndichinzwa kuti iri kuda kubuda ..
Mai Gift "thank you
Mai Tanya" (vachinyemwererawo) ....no need l should thank you for saving me too
Ndakamupushira padivi, muviri wake mukomana uye. Ndakabva ndatora needle pin yangu ndikaishandisa kusunungura maCuffs.Ndakashamiswa nemawoko angu ava kusununguka ndikanakirwa nezvishoma zvandakanga ndatadza kuziva kuti zvakakosha sei.Pandakapedza kuzvisunungura ,ndakacheuka ndakamhanya kuna Mai vaTanya, ndokupfugama ndichisvika paari.
Mai Gift “dzikamisa mbijana maoko
Akaita sekudaro ndakashandisa pin iya zvakare, handina kana kuita nguva yakareba *click* maCuffs ake akabva avhurika. Takabatsirana kumuka, tichitetemuka tichipfeka mbatya dzedu .Ko ,tanga tiri musvo zvee .Takatarisana, misodzi yakamira mumaziso.
Mai Gift“Zvino tochidii?
Akakwenya musoro wake Mai Tanya achiita seari kufunga ndinzwe oti....
Mai Tanya “Panofanira kuva ne *main door* asi hapana chatinoziva nezve anhu vari pano kuti vangani.. Tinoda Plan B yenzira yekubuda tisina kuonekwa.This is his main mansion game place saka obviusly it has many security guys .Iwewe pawasvika waona vanhu vangani?
Mai Gift "ummm one chete angondivhurira door?
Mai Tanya" yeah vamwe vacho vanga vatohwanda ,they are more than you think. Ndakavaona nehuwandu hwavo hwese pandakaunzwa pano
Mai Gift "zvekuti vangava vangani?
Mai Tanya" kuma 20 something ikoko
Mai Gift "Jesus (ndichishama muromo)
Mai Tanya" yes
Mai Gift "haaa Mwari pindirai
Mai Tanya“Pane dzimba dzose dzinochengetera vanhu vanenge vasungwa, zvinoreva kuti panofanirawo kunge paine room rema surveillance cameras. Kana tikagona kuwana control room tingagona kudzima zvese kana kutyora system.
Mai Gift" yaaaaah uri kutaura dama uye kana paine hallway yakapfava, tingagona kubuda tichitora mapassage ari remote. Tofambira nemash**e kwebuilding panenge pasina security yakawanda.”
Takatarisa muviri wemukomana uya —maKeys aive muhomwe. Ndakaburitsa, ndikatarisa ndobva ndatora nephones yake.lni yangu andina kuiona obvious yanga yatorwa kare...
Mai Tanya “Ngatiendei, asi hatisi kuzombodzoka pano kunzi takatadza.
Mai Tanya "(vachinyemwerera) that" s the spirit
Ndakatambidza Mai Tanya makeys since vairatidza kuve neruzivo rwuri nani rwepano kudarika rwangu. Asi takaziva kuti tave muhondo, uye hondo iyi yaisisiri yekutiza chete asi yekudzivirira rusununguko rwedu .Ndakaramba ndichifamba ndichitevera Mai vaTanya, tichinyatso chengetedza kuti tisazviratidza kune chero ani zvake. Mune imwe hallway, takawana musuwo wakasungirirwa, asi pakatenderedza pane zviratidzo zvemagetsi, zvichiratidza kuti ndiyo *control room*. Ndinzwe Mai Tanya voti...
Mai Tanya“Pano ndipo patinofanira kupinda, ndichaisa password kana kukwesha system iyi ndobva ndadzima makamera.
Mai Gift "oky
Ndakangofema kutura befu zvisina kugadzikana ndokupinda tose ,Mai Tanya akashandisa ma fingers ake kunyatso dzidza ma button. Zvese zvakatanga kupenya uye kamera dzakatanga kudzima imwe neimwe. Ndokubva acheuka kutarisa kwandiri ndnzwe...
Mai Tanya “Tava nemukana. Ngatibude tichinyatsotora nzira dziri kure nevachengeti.
Takapinda muhallway yakavanzika, hana dzaiita kurova .Ko ,iko kudedera zvako kwamdaiita ipapo.Pakazosvika exit yakavharwa ne security door yakanga isina munhu achivhura, takashandisa ma keys atakanga tabira mujaya uye, ndokubuditsa pamuromo. Takaenda tichimhanya kusvika tave panze, uko kwakanga kusina munhu. Takawana mota yakanga yakamirira, ndokukurumidza kupinda tichifara kuti tava kunze. Ndakatarisa Mai vaTanya, tichinyemwerera tava pachena kuti hupenyu hutsva hwainge hwotanga.
Takanga takangonyarara mumota, tiri ini naMai Tanya, vasingazivi kuti toendepi, asi chaitotinyanya kushamisa ndiye munhu akanga atitakura. Akanga atanga achiratidza kufarira kutibatsira, asi paakasvika muhalfway stop, ndokungoseka achimisa mota ndoku locker madoors nekumberi ikoko tikatarisana naMai Tanya...
Mai Gift "chii?
Mai Tanya" something is fishy
Murume uye akabva aisa foni panzeve tinzwe.
*“Haaa George, dnt worry, ndiri kuuya navo. Your girls are safe in my hands.”*
Ndakatarisana naMai Tanya ndikaona kuti vapererwa.Asi ini handina kuda kupedza simba kuda kunzwa chibodzwa chekutya. Ndakatanga kungotarisa pasi ndokubva ndambundira gumbo rangu kupfugama sekunge ndiri kugadzirisa tambo dzeshangu .Vakabva vakasira kuzviona kuti ndiri kuda kutira *wheelspanner!* yaive pasi pe driver's seat. Vakaitora neunyanzvi, vakaramba vakadzikama, vakasvika padhuze nemurume uya akanga achingoseka achitaura nefoni.Asi asati ambopedza kufona, takangonzwa *“PAAAA!!”* — wheelspanner yadhinda musoro make zvakasimba zvekuti foni yacho yakabva yarovera pasi, ropa rikabuda mumhuno, akabva awira pasi akadonha akaisa musoro wake kurwadza..
Takangobuda mumota tichimhanya sevanhu vai. Kuda kumirira sekondi imwechete,George nevanhu vake vaigona kutisvikira zvikadhakwa saka ndiko kusaka tisina kuda kuita zveku len'a len'a .Mai vaTanya vari kurutivi rwangu, vakabata dumbu ravo zvakasimba. Vaiti kufema zvine simba, asi vasingamiri. Takamhanya tichipfuura musango remakwenzi, mabepa, nemabhodhoro. Mhepo yakanga ichirova kumeso kwangu, misodzi ichimhanya nemaziso angu – kwete yekuchema, asi yeruvengo, kushushikana, uye simba riri kundisunda mberi.Takasvika padivi pemugodhi uya unoratidza kuti panenge panomboitwa zvekucherwa goridhe nekuti panga pazere zvimigodhi —migodhi zvakawandisa zvakanga zvakakomberedzwa nemiti yakasviba. Ndakabata ruoko rwaMai Tanya ndikati:
Mai Gift*"Ngatizvivharei pano kwechinguva."*
Vakanditarisa, meso avo akazara nekutya nekushamisika, asi ndakavona futi vane kuvimba. Takazvifukidza nemashizha, tikanyarara, kutadza kana kufema zvizere. Ndakatanga kunzwa tsoka dzakanga dzisiri dzedu.
Mai Gift"Vanenge vachitevera
Mai Tanya "zvakaoma veduwe
Takanyarara futi tsoka dzakapedzisira dzapfuura, takamira kwekanguva tisati taenderera. Mai vaTanya vakati kwandiri....
Mai Tanya"Handina kuziva kuti uri munhu akasimba kudai…”*
Ndakangoita ka-smile kashoma, ndikati,
Mai Gift" situation inokutuma kuita zvese zvese dear
Mai Tanya "haaa ndiri kuzviona
Mai Gift“Pandakarasikirwa naGift, ndakarasikirwawo nechinhu chikuru, asi ndakawanawo simba.Like look hona tose tiri vaviri tiri kungoramba takangoshinga wani
Mai Tanya" yaaah taura hako lets not give up
Mai Gift "yes ,zvose tongozvisira mumaoko aMwari ndiye anotoziva kuti tichakuenda here kana kuti kwete
Takaramba tichifamba tichitsvaga pekunovanda tisingaite back glance, takanonzwa mota yakamira kure ichidhonza handbrake.Takavhunduka ndokubva taramba takamira kana simba rekutiza ipapo takarishaya. Tichiona mumota muchidzuruka mukomana anga ane chiso chake chakavanzwa nehood.
*"Mai Gift! Mai Tanya! Miraaaai!"*
Mai Tanya vakakotana vachinhonga chidhinha ndinzwe vomuti...
Mai Tanya vakati "Who are you!?"*
Ini pane zvandainge ndofananidza zvakaita kuti nditadze kana kuita action ndango sticker .Akabvisa hood yake mukomana uye and it was... GIFT. alive......ndokubva ndangozvidonhedza pasi.....
Chapter #21
Ndakatanga kuchema kutadza kuziva kuti mufaro here kana kuti zvii chaizvo. Asi ndakairidza mhere kwete yekunyepa.Akafamba achiuya pandiri mwana wangu ndokubva andimbundura ndinzwe oti...
"They thought they killed me, but ndakakandwa musango ndikapona. Ndakasungwa pasi, but ndakaramba ndichikweva muviri wangu kusvika ndasvika kuhomwe yangu ndine razor blade — I escaped. Ndakavanda for weeks, ndisati ndaita contact... ndozvandaziva zvese zviri kuitika. That George is a monster.
Mai Tanya akashama muromo ndinzwe...
Mai"Ko sei usina kufonera Mai vako?"*
Him"Foni yangu yakabvamburwa. But I got picked up by someone I once helped, he hid me. Then ndawana chance ndobva ndauya kuzokutsvagai.
Mai Gift" (ndichichema) ko ,watakaviga aive ani ??????
Akaramba akanyarara ndokuzunguza musoro wake ndinzwe oti...
Him"ummmm ipapo andizozive hangu Mhamha
Mai Gift "ndaizviziva chete mhani kuti mwana wangu mupenyu. Kana pandakuona ndosaka ndisina kuda kukutiza Gift......
Him" yes Mhamha ndiri mupenyu
Ndakamumbundira zvekare mwana wangu misodzi ichiyerera ndokubva andibatsira kusimuka ndinzwe ...
Him"tofanirwa kuenda kunochibatsira Tanya kwaari .Mhamha mungazivewo here kuna Tanya
Vakamboramba vakanyarara Mai Tanya....
Mai Tanya "hongu
Him" so if l will drive you gonna give me directions?
Mai Tanya "hongu
Him" cool then lets go
Takabva tanofamba tichipinda mumota muye ini nemufaro ndanga ndisiri kugona mufunge. Ndaida kugara kumberi but Mai Tanya stopped me
Mai Gift "ko,chii?
Mai Tanya" no reason ngatigarei tose kumash**e
Him"haaa vasiyei vagare kumberi havo
Mai Tanya "no ko ,vakazoonekwa vari kumberi ikoko nevanhu vekwa George
Gift akabva agutsurira musoro wake...
Him" l get it ,Mhamha garai henyu kumash**e navo tiende
Mai Gift "ehoi kwacho
Takabva tapinda mumota ndokutipinda munzira. Ndakatanga kufunga kuti pane chimwe chiri kunetsa. Vaiita sekunge vasiri kufara .Ndainyatsoona hangu vachitarisa Gift achi driver vachiita kakuchinja fesi yavo kunge vane zvavari kutsvaga. Pasina nguva vakajambira Gift achityaira mota kudaro ndokumuti pahuro dzvii .
Mai Tanya" who are you???????
Mai Gift'imi munouraya mwana wangu imi imi....
Ndakadaro ndichiedza kubvisa Mai Tanya pana Gift asi vakabva vatowedzera kuita simba pasina reverse .Ndakanzwa mota ichitsvedza, ichirovera zvakasimba pamuti. Ndakatarisa mai Tanya vachirwira nehasha dzisina kujairika, vachidzvanya zvakasimba kuti vapedze nyaya yavo ende pasina kana maseconds ndakanzwa kutyoka kwebhonzo repahuro .Musoro wemwana wangu uchinorereka padivi Zvese zvakanga zvaitika nekukurumidza, pavakaona kuti mwana wangu haachafeme vauraya vakabva vagara paseat mushr
Mai Gift"wauraya mwana wauraya mwana wangu..........
Ndakatanga kuvarova mambama ivo vachindibata .Vakazonyatsondibata kuti dzvii zvechisimba asi ndakazvibata ndokuzorora asi mhere ndichiridza, ndichiziva kuti kurova hakusi kugadzirisa. Ndakanzwa futi dzimwe hasha pandakada kuvapamha zvekare vakabva vanoti maoko angu dzviii vakazunza-zunza
Mai Tanya "dzikama mhani Mai Gift haasi mwana wako uyu
Ndakaramba ndakamutarisa mumaziso chaimo achibva andiregedza ndokubva avhura door kubuda achienda kumberi ndokuzvuva Gift kumukandira pasi ndakabudawo ndichinomira padivi,achibva akotama Mai Tanya ndobva abvisa mask yanga iri kumeso kwemunhu wanga ndichiti ndiGift . Ndakangobva ndashama muromo wangu in biggest shock...
Mai Tanya" you see.......
Munhu chokwadi kupfeka face mask inyatsori yefesi yaGift zvisingatombooneke mufunge .. Ndakangomira ndakatarisa, ndichizvibvunza kuti ndiani chaizvo munhu uyu uye chii chiri kuitika.Anga atori umwe munhu zvake asitombori Gift ndakabva ndadzokera kutarisa kuna Mai Tanya...
Mai Gift "wanga wazviona nguvai kuti haasi ?(misodzi ichiyerera)
Mai Tanya" ndaona colour yehuro isiri kuenderana nefesi uye zvanga zvichitoita kakuoneka kuti inenge mask
Mai Tanya "andina kana kumbozviona ufunge
Mai Gift" l dont blame you ....
Akatanga kusecha homwe dzemukomana uye ndokubuditsa mari anga atone about five hundred dollars yanga iri muhomwe .
Mai Tanya "nguva dzaenda ,we should find a hotel or a lodge yekuti tingowana pekunorara hona zuva rakutonyura We cant sleep musango
Mai Gift" shuwa
Takatanga kufamba tichitevedzana neroad and l guess maybe after about 1 or 2km tichifamba ndopatakaona kalodge .Ndakatanga kupinda muLodge ndichitsvaga receptionist ndokubva ta booker hedu .Takananga kuroom yedu yakanga yakachena ine mhepo inotonhorera ichipinda nepahwindo.Takangogara pasi takaronga zvekuita mberi, tichifunga nezvekuchengetedza hupenyu hwedu, uye kuronga zano rekupindira zvakare kuti tibvise nyaya dzatiri kusangana nadzo.Hapana kumbotora nguva padoor pakabva paita knock ...
Mai Tanya "rega ndinovhura
Mai Gift" no siya ndinovhura
Vakaramba vakamira Mai Tanya vari pedyo neku door ikoko kuda kuonawo kuti ndiani .Asi ndisati ndavhura ndakatanga ndadeedzera....
Mai Gift "ndiani???
Voice" room service.......
Mai Gift "ok
Ndakabva ndavhura door zveshuwa anga ari waitress atone uniform yake ndokubva ndatambura chikafu chiye...
Waitress" enjoy!!!
Mai Gift "thank you
Akabva afamba achienda ini ndokuvhara hangu door ndichinogara pacouch ,Mai Tanya vakateverawo asi havana kugara pasi vakangoramba vakamira vakatarisa chikafu
Mai Gift" garai pasi kaaa tidye
Vakaramba vakanyarara vachiita kunge vane zvavari kuplaza .Pandakasimudza spoon yerice kuda kuisa mukanwa vakabva vabvuta spoi. iye ndokukandira pasi ,zvimwe zvacho zvaive patable vakakutura futi pasi .Ndakamutarisa nehasha kumeso kwake apo nenzara yanga ndava nayo ndaisatomboda mashura akadaro....
Mai Gift "kuchiiko nhaiwe?
Mai Tanya" aasi waitress wepano she is fake????
Ndakaramba ndakamutarisa ndokuti ....
Mai Gift "waona nei?
Mai Tanya"akuna waitress anopfeka bhutsu inodhura kudaro seyaanga akapfeka netumari twavanotambisirwa twuye akuna zvakadaro .She is fake ndiri kukutaurira ,munhu kupfeka bhutsu yeChristian Louboutin, haaaa never haasi waitress
Ndakangoona Mai Tanya vasina mufaro,ndakaziva kuti izvi hazvina kumira zvakanaka. Munhu uyu akanga ari mumwe wevanhu vaGeorge, zvaive pachena kuti tainge tawira mumusungo mukuru zvekare.Takatarisa tichiziva kuti zvatanga futi zviri kuti tambudza again....
STAY TUNED
🔥🔥🔥🔥
DROP YOUR COMMENTS....
*🌹My aim is to inspire and motivate lives through my stories*🌹
END OF CHAPTER
🧊💍🧊💍🧊💍🧊💍🧊💍🧊💍🧊💍🧊💍🧊💍🧊💍🧊💍
*⛓️🌹AGAINST ALL ODDS* ⛓️🌹
STORY WRITTEN BY ::
✍🏾✍🏾 *AUTHORESS XAMMY*❣️❣️
*Follow my channel group*👇🏽
https://whatsapp.com/channel/0029VadsJv4AInPsIzpYHV1T
*Follow my page* 👇🏽
https://facebook.com/groups/4989104421212498/
⚠️ *DO NOT COPY*
Chapter 18
*TANYA*
Tapiwa akabva agadzira bhegi, dakazvivharira muponcho, ndikapfeka mask. Takatanga kufamba tichibuda, Tapiwa achinditungamirira…Takati tave kuda kunobuda paExit door ndinzwe ........
Guy"mother madonhedza card
Ndakamira kufamba kwakucheuka kutarisa pasi ndokuona zveshuwa kuti ndanga ndadonhedza.Pandakakotama ndichida kuri nhonga card rekuchipatara riye l then noticed kuti mukomana uyu it was onw of those guys vekwa George nekuda kwe dressing .Ndakaita chimbi chimbi kunhonga nekutofambisa ndichibude before they recognised me dzamara tanosvika kumota ...
Tapiwa"tapona
Tanya"indeed (ndichinyemwerera)
Akabva amutsa motokari ini ndanga ndava busy kunyararidza mwana anga otanga kuchema .Anenge ainetsawo chete mwana uyu .Akatozonyarara tasvika kumba kwake Tapiwa kachibva kavata. Imba yacho yanga iri muSurbub remu Malbra .Wega wakaitarisa imba iyi waingoona kuti paita zvekunhuwirira kwemadhora chete apa. Iyi yaive imba hombe, yakavakwa nematombo akachena anopenya zvishoma panobatwa nechiedza chezuva. Paive nepurainda yemapuranga akasvibira achitenderedza imba, iine maruva akasiyana-siyana akakomberedza masitepisi anokwira kuimba.Imba yacho yaine makamuri masere akasiyana; imwe neimwe yakanga yakavhurika nemahwindo makuru ane magirazi anopenya achipinda nechiedza, zvichipa mweya mutsva that is fresh air.Mukamuri guru, pane sofa dzemhando yepamusoro dzakarongeka zvakachena pamwe netafura diki yegirazi yakanga iri pakati pacho.Mwana akanoradzikwa mubedroom sezvo anga avata zvake isu ndokuenda kunogara mudining
Zvimwe zvikamu zvemba zvaisanganisira makamuri ekurara , rimwe remakamuri rine mubhedha mukuru wakaita sutu yekurara yaitaridzika kuti ndiyo yaTapiwa, uye makamuri madiki anowanikwa kwevana kana kushandisa sechitoro chemidziyo. Pane zvakare imba yekutandarira yakasanganisira terevhizheni hombe uye midziyo yemazuva ano yekuzororera, pamwe negadheni diki rine miti nemaruva akasvibira raive panze.Ndakanzwa kugadzikana pakutanga, kunyangwe zvematambudziko andakanga ndatambura, uye ndakaziva kuti pano ndichawana pekuzororera nemufaro mudiki pakati pehupenyu hwakaoma.
Tapiwa"are you hungry???
Tanya"yes
Tapiwa"you cook or l do?
Ummm chokwadi pane pandaizomuti bika iwewe here .Zvaitonyadzisa ndakatoti rega ndinobika hangu ini. Asi ndisati ndasimuka kuenda kukicheni kwake ,runhare yangu yakabva yatanga kurira and it was non other than Kudzi calling ndichibva ndadaira zvangu zvinyoronyori asi mwando yandakatanga nekudirwa ipapa yakandigumbura .Apana kana hello yakaitwa akangotanga nekugwauta...
"Tanyaradzwa uripi????
" hezvo ko ,hasha ndedzeiko ?
“Ko waendepi uyu munhu wandakatumira akushaya muWard mawanga uri wani?
"Kudzi pane panga ndicharamba ndakamira here nhai anditi ndatoita plan B
" plan B yekudii kwacho?Uripi?
"KuMalbra
" ndipe address
"Unotaura zvakanaka haundityise kaaa
(Ndakadaro ndichiedza kudzora izwi rake kuti risandityise.)
"Iwe ndati send home details
(Ipapo Tapiwa akabva adedzera house number sezvo ndanga ndadaira call iri paloud ndinzwe Kudzi oti)
" wava kutoita zvechi h**e zvako ikoko Tanya
Ndakangobata foni zvakasimba, ndichiziva kuti hapana nzira yekumutsanangurira zviri kuitika. Zvese zvava kuipa, uye ndiri kungoda kuchengetedza mwana wangu nemagariro angu.
"Idzi dzava pfungwa dzako wega
Ndichipedza kudaro ndakabva ndakata zvangu ndakaona Tapiwa angonditarisa ...
Tanya" dont mind him ( ndichisimuka panga ndakagara)
Tapiwa"is everything ok?
Tanya"absokutely
Ndakabva ndatofamba zvangu kunanga mukicheni make.Ndanga ndichangopedza kudurura mvura mumagirazi maviri kuti ndipake naTapiwa tea, ndichinzwa rugare rwechinguva.Ndakadzokera kudining neteapot nema cups acho pamwe chete necoffee .Ndichangoti garei pasi ,kugogodzwa zvine hukasha mukati chaizo.
"Tap! Open this damn door!" izwi remukadzi rakataura.
Ndakatya, ndikamisa zvese zvandainge ndichiita. Tapiwa akabva amuka nechimbichimbi, akanditarisa kuti ndigare panzvimbo. Akavhura door zvinyoronyoro, asi musikana uya akabva apinda nesimba . Akanga akatsamwa, uye maziso ake aitarisa kwandiri nehasha ...
Jane“Ndiyani uyu?” akandinongedza nemunwe
Ndakamira, ndisingazive zvekutaura. Tapiwa akaedza kugadzirisa mamiriro acho.
Tapiwa"Jane, calm down... hazvisi sezvawafunga."
Jane“Calm down?Ini manje ndichikuona une umwe musikana muno mumba? Uri serious here Tapiwa?”
Ini ndakangoita zvekunyarara, zviri zvekurova kwehana andichataure nekuti ndizvo zvanga ndongogara nfonzwa pose pandiri
Ndakangobata dumbu rangu zvisingazivikanwi kuti ndezvekudzivirira here kana kuti kusimbisa. Zvinhu zvanga zvava tense. Ndakatanga kuona kuti hupenyu hwangu huri kupindwa nevanhu vakawanda.Asi pandakanga ndichiri kutaura naKudzi, ruoko rwangu rwakarovera accidentally muteapot yaive nehot water. Mvura yacho yakanondipisa paruoko rweka left
Tanya“Aaah!” Ndakaridza mhere ndokubva ndaregedza foni ichiwira pasi nekupwanyika ipapo ipapo. Tapiwa akabva auya achimhanya pandaive
Tapiwa“Tanya! Chiiko chaitika?”
Tanya“Ndatsva… mvura inopisa!” Ndakapindura, misodzi yava kubuda.
Akabva anditora gently, ndokundigadzika zvakanaka pasofa, achimhanyira kupinza towel remvura inotonhora kuti andibatsire.
Tapiwa“Unofanira kungwarira ka,” akataura zvine hanya, achizama kudzora kupisa necold compress. Ini ndakangonyarara, ndichinzwa kusuruvara kwete nekupisa chete asi just by sayinh someone ane care neni always brings back Gift in my mind"
Tapiwa akagara padivi pangu akanditarisa, ....
Tanya "thanks
Tapiwa“Tanya, une stress yakawandisa…
Ndakapindura ndichizunguza musoro zvishoma. .....
Tanya"no
Tapiwa" and that makes you stronger than you think. Ndiri newe Tanya, hausi wega.
Pandakanzwa mashoko iwayo, mwoyo wangu wakaita tu rhythm twakasiyana. Ndakatarisa ziso rake, ndikati nechemumoyo *"Ko murume uyu ndiani chaizvo muupenyu hwangu?"Asi ndakazvimanikidza kuseka zvishoma.
Tanya “Thank you Tapiwa… asi please rega nditende.
Tapiwa“Ndinozvinzwisisa,”( akadaro, achibvisa towel, )“but next time better becareful
Jane"kutoita zvekudanana waaaaaw (achiombera maoko ndokubva tatarisa kwaari)
Tapiwa"Jane,leave my house
Jane"(achiridza tsamwa) over my dead-body
Akadaro achibuda ameno kuroom yaakanopinda ameno kuti aida kunoita sei chaizvo.
Tapiwa"dont mind her anopenga let me follow her akutoenderera manje taking advantage yekuti lam soft.She is Jane ,my ex
Ndakabva ndarangatira pemusi uya paairotomoka achotaura zita iroro. Handina kuda kuita conclusions, but zvinhu zvairatidza kuti something is off.Haana kumbotora nguva Jane akabva adzoka...
Jane"whose baby is it wandaona kubedroom kwako Tapiwa????
Tapiwa"my baby
Akataura with so much confidence ....
Jane"nemusikana iyeyu ari low classy ???
Tapiwa"taura wakachenjera
Door reku main ralabva ravhurwa tose ndokutarisa ikoko and it was non other than Kudzi who came through achipinda mumba.Asi akati ava kunosvika patiri akabva angoerekana amira kufamba akatarisana naJane
Jane"KUDZI!!!!?(achitaurira pasi pasi)
Kudzi akatenderera ndokutarisa ini, achibva audza Tapiwa,
Kudzi"dauya kuzotora Tanya.
Jane akatarisa Kudzi nerunyemwe rwekupererwa.Ndakatarisa Tapiwa — and I could tell, even he felt confused.Pfungwa dzangu dzakatanga kufunga zvakawandisa.Who is Jane to Kudzi? And why does she look at him like that? Something’s not right…
: Jane akabva abuda muimba yacho achimhanya kunge munhu abatwa nemoto. Heels dzake dzichirovera pasi, misodzi ichiyerera kumeso
**to be continued*********
DROP YOUR COMMENTS....
*🌹My aim is to inspire and motivate lives through my stories*🌹
END OF CHAPTER
End of chptr
,"
Click here to claim your Sponsored Listing.